Psalms 70

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro.

1Kurumidzai kundiponesa, imi Mwari;
Haiwa Jehovha kurumidzai kuuya mundibatsire.

2Vanotsvaka upenyu hwangu
ngavanyadziswe uye vakanganiswe;
vose vanofarira kuparara kwangu
ngavadzorwe shure vanyare.
3Vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!”
ngavadzorerwe shure nokuda kwenyadzi dzavo.
4Asi vose vanokutsvakai
ngavafare nokufarisisa mamuri;
vanoda ruponeso rwenyu ngavagare vachiti,
“Mwari ngaakudzwe!”

5Asi ndiri murombo nomushayiwi;
uyai nokukurumidza kwandiri, imi Mwari.
Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu;
Haiwa Jehovha, musanonoka.
Copyright information for SnaBDSC